歌词

Vakuruwe ndipeiwo kamukana kangu
Ndinyevere vaye vaye
Vakawana mukana wekuvepo pamusoro
Vakaite mhanza yekukwirepo pamusoro
Kwaakuchitora mukana uyu seuchenjeri
Votanga kutsikirira vari pasi
Votanga kusvipira mate vari pasi
Kuzvirova dundundu nekuzvitutumadza
Ndoti kwete apa vachenjeri marasika

Kana wakaberekwa semunhu wese iwe
Kana wakadonhawo rukuvhute semunhuwo
Pamusoro yose vakati tsetetsete nenyika ino
Usazvinyepere usazvifadza nenhema
Usazvinyepere usazvifadza nenhema
Usazvifurire uchizviita makoya zvese
Usazvifurire uchizviita shasha yevose

Vaye vaye vamunodzvinyirira
Vaye vaye vamunotsikirara
Kuchema kwavo munamato mukuru kumatenga
Ende hakuna anoziva mhinduro nyangwe nemusi waichauya

Deno ndaive ini ndigere paye
Deno ndaive ini ndiripo paye
Ndairidza huwi ndodaidzira vamwe vangu
Kuno kwabikwa dopiro vakoma
Huyai mose huyai munombore

Chawawana idya nehama

Kana paine pamakandichengetera Baba
Ndinokumbirawo mugove wangu ndichiri kurarama tenzi
Tarirai ndosakadzwa sechipfeko nevane mari ndisina changuwo
Ndinongotsikirirwa
Ndinongodzvinyirirwa
Ndinongoshandiswa nhando
Ndichingofondotswa

Moyo wangu unorwadza kuti nguva dzose ndini wekukarirwa sei tenzi

Moyo wangu unorwadza kuti nguva dzose ndini wekunyengerera sei Mambo

Deno zvaikwanisika tenzi maigara matare nengirozi dzenyu motifuridzira makomborero isu venhamo

Amai vangu vanoda kutendawo
Havachaziva nekudeketera mutupo wangu
Ndovapeiko amai vangu vagonditendawo
Maita moyondizvo
Maitaka vadzimba
Maitaka veshungu varozvi vakapera nenda

Kana paine pamakandichengetera Baba
Ndinokumbirawo mugove wangu ndichiri kurarama tenzi
Tarirai ndosakadzwa sechipfeko nevane mari ndisina changuwo
Ndinongotsikirirwa
Ndichingodzvinyirirwa
Ndinongoshandiswa nhando
Ndichingofondotswa

Zino irema varume woye
Vanondisekerera sevanondida asi mukati vachidzimbikana kundiona ndichiseva muto
Vanofara kundiona ndichitemura
Vanofara kundiona ndakapfeka madhumbu
Vanoda ndirarame zvekupemha
Huntsinye chete vanoda kuguta kwavo

Kana paine pamakandichengetera Baba
Ndinokumbirawo mugove wangu ndichiri kurarama tenzi
Tarirai ndosakadzwa sechipfeko nevane mari ndisina changuwo
Ndinongotsikirirwa
Ndinongodzvinyirirwa
Ndinongoshandiswa nhando
Ndichingofondotswa

Writer(s): Leonard Karokoja Zhakata

相似单曲

API Calls

从 Spotify 记录音乐?

将您的 Spotify 帐户连接到您的 Last.fm 帐户,通过任何设备或平台上的任何 Spotify 应用记录您所听的一切内容。

连接到 Spotify

关闭